Deuteronomy 32

1Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura;
inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.
2Regai dzidziso yangu inaye semvura
uye mashoko angu ayerere sedova,
sokupfunha pauswa hunyoro,
semvura zhinji papfumvudza nyoro.

3Ndichaparidza zita raJehovha.
Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!
4Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana,
uye nzira dzake dzakarurama.
Mwari akatendeka asina chaanotadza,
akarurama uye ndowezvokwadi.

5Vakaita zvakaipa kwaari;
vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake,
asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama,
6Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here,
imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera?
Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here,
akakuitai nokukuumbai?

7Rangarira mazuva akare;
ufunge marudzi akare kare.
Ubvunze baba vako, uye vachakuudza,
vakuru vako vachakutsanangurira.
8Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka,
nguva yaakakamura marudzi ose,
akaisira vanhu miganhu,
zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.
9Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake,
Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.

10Akamuwana munyika yomurenje,
musina chinhu, munotyisa.
Akamudzivirira uye akamuchengeta;
akamuchengetedza semboni yeziso rake,
11segondo rinogadziridza dendere
raro nokuengerera pamusoro pavana varo,
rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe,
rovabereka pamapapiro aro.
12Jehovha oga ndiye akamutungamirira;
kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.

13Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika
uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye.
Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo,
uye namafuta akabva padombo romusarasara,
14noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai
uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa,
namakondobwe akaisvonaka eBhashani,
netsanga dzakanakisisa dzegorosi.
Akanwa furo reropa ramazambiringa.

15Jeshuruni akazokora uye akapfura;
aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta.
Akasiya Mwari akamuita
uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.
16Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe
uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.
17Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari,
vamwari vavakanga vasingazivi,
vamwari vatsva vakanga vachangomuka,
vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.
18Wakasiya Ibwe rakakubereka;
wakakanganwa Mwari akakubereka.

19Jehovha akaona izvi akavaramba
nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.
20“Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,
“tigoona kuti magumo avo achazodii;
nokuti rudzi rwakatsauka,
vana vasina kutendeka.
21Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari,
vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo.
Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu;
ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.
22Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu,
idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu.
Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo
uye dzichapisa nheyo dzamakomo.

23“Ndichatutira njodzi pamusoro pavo
uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
24Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo,
nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa;
ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari,
uturu hwenyoka dzomuguruva.
25Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose;
mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa.
Majaya nemhandara vachaparadzwa,
vacheche navatana vachaparadzwawo.
26Ndakati ndichavaparadzira
ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,
27asi ndakazotya kutuka kwomuvengi,
kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti,
‘Ruoko rwedu rwatikundisa;
haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ”

28Nokuti ivo rudzi rusina mano,
havagoni kunzvera pakati pavo.
29Dai chete vakanga vakachenjera
uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei!
30Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu,
kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei,
kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa,
kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?
31Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu,
sezvinofungwa navavengi vedu.
32Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu
nokuminda yeGomora.
Mazambiringa avo azere nomuchetura,
uye masumbu avo azere nokuvava.
33Waini yavo uturu hwenyoka,
uturu hwakaipisisa hwemhakure.

34“Ko, handina kuchengeta izvi here,
uye ndikazvipfigira mumatura angu?
35Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva.
Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka;
zuva renjodzi yavo rava pedyo
uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.”

36Jehovha achatonga vanhu vake
uye achanzwira tsitsi varanda vake,
paanoona simba ravo rapera
uye pasina asara, akatapwa kana asina.
37Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko,
dombo ravakahwanda mariri,
38vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo
nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa?
Ngavasimuke kuti vakubatsirei!
Ngavakupei pokuvanda!

39“Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye!
Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu,
ndinouraya uye ndinopa upenyu,
ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu.
40Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti:
Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
41kana ndichirodza munondo wangu unopenya
uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga,
ndichatsiva kuvavengi vangu
uye ndigotsiva vaya vanondivenga.
42Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo,
uye munondo wangu uchadya nyama:
ropa revakaurayiwa nevatapwa,
nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.”

43Farai, imi ndudzi, navanhu vake,
nokuti achatsiva ropa ravaranda vake;
achatsiva kuvavengi vake
agoyananisira nyika yake navanhu vake.
44Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa. 45Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose, 46akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu. 47Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”

Kufa kwaMozisi paGomo reNebho

48Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati, 49“Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo. 50Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake. 51Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri. 52Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”

Copyright information for SnaBDSC